Jeremiah 49

Chirevo pamusoro paAmoni

1Pamusoro paAmoni:

Zvanzi naJehovha:

“Ko, Israeri haana mwanakomana here?
Haana vadyi venhaka here?
Ko, zvino Moreki atorerei nhaka yaGadhi?
Nemhaka yeiko vanhu vake vachigara mumaguta ayo?
2Asi mazuva anouya,”
ndizvo zvinotaura Jehovha,
“andicharidza mhere yehondo
pamusoro peRabha ravaAmoni;
richaitwa murwi wamatongo,
uye misha yakaripoteredza ichapiswa nomoto.
Ipapo Israeri achadzinga
vaya vakanga vamudzinga,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
3“Ungudza, iwe Heshibhoni, nokuti Ai raparadzwa!
Ridzai mhere, imi vanogara muRabha!
Pfekai masaga mucheme,
mhanyai pano nekoko pakati porusvingo,
nokuti Moreki achaenda kuutapwa,
pamwe chete navaprista vake namachinda ake.
4Unozvikudzireiko nemipata yako,
kuzvikudza nemipata inobereka kwazvo?
Haiwa mwanasikana wokusatendeka,
unovimba nepfuma yako uchiti,
‘Ndiani acharwa neni?’
5Ndichauyisa kutya pamusoro pako
kunobva kuna avo vakakupoteredza,”
ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
“Mumwe nomumwe wenyu achadzingirwa kure,
uye hakuna achaunganidza vatizi.

6“Asi shure kwaizvozvo, ndichadzosazve pfuma yavaAmoni,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.

Chirevo pamusoro peEdhomu

7Pamusoro peEdhomu:

Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose:

“Ko, muTemani hamuchina uchenjeri here?
Mano atsakatika here kuna vakangwara?
Ko, uchenjeri hwavo hwaora here?
8Dzokai uye mutize, muwande mumapako akadzika,
imi munogara muDhedhani,
nokuti ndichauyisa njodzi pamusoro paEsau,
panguva yandinomuranga.
9Kana vanononga mazambiringa vakasvika kwauri,
havangasiyi mazambiringa mashoma here?
Kana mbavha dzikasvika usiku,
havangabi zvavanoda chete here?
10Asi ndichafukura Esau;
ndichazarura nzvimbo dzake dzokuvanda,
kuitira kuti akundikane kuzvivanza.
Vana vake, nehama dzake navavakidzani vake vachafa,
uye iye haachazovapozve.
11Siya nherera dzako; ini ndicharwira upenyu hwavo.
Chirikadzi dzakowo dzichagona kuvimba neni.”
12Zvanzi naJehovha: “Kana avo vakanga vasingafaniri kunwa pamukombe vakodzera kuunwa, iwe ucharegereiko kurangwa? Haungaregi kurangwa, asi unofanira kunwa pamukombe wacho. 13Ndinopika neni ndimene,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “kuti Bhozira richava dongo nechinhu chinonyangadza, nechinhu chinotyisa, chinozvidzwa nechinotukwa; uye maguta aro ose achava matongo nokusingaperi.”

14Ndakanzwa shoko rakabva kuna Jehovha, richiti:
Nhume yakatumwa kundudzi kunoti,
“Unganai kuti murwe naro!
Simukai murwe!”

15“Zvino ndichakuita muduku pakati pendudzi,
anozvidzwa pakati pavanhu.
16Kutyisa kwaunoita,
nokuzvikudza kwomwoyo wako zvakunyengera,
iwe unogara mumikaha yematombo,
ugere panzvimbo dzakakwirira dzechikomo.
Kunyange ukavaka dendere rako pakakwirira segondo,
ndichakukoromora kubva ipapo,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
17“Edhomu richava chinhu chinotyisa,
vose vachapfuura napo vachashamiswa,
uye vachaseka nokuda kwamavanga aro ose.
18Sokuparadzwa kwakaitwa Sodhomu neGomora,
pamwe chete namaguta akanga akavakidzana nawo,”
ndizvo zvinotaura Jehovha,
“saka hakuna munhu achazogarako;
hakuna munhu achagara mariri.

19“Seshumba inobuda mumatenhere eJorodhani
ichienda kumafuro akapfuma,
ndichadzinga Edhomu kubva munyika yake pakarepo.
Ndianiko akasarudzwa wandichagadza kuti aite izvi?
Ndiani akafanana neni uye ndiani angakwikwidzane neni?
Uye ndoupi mufudzi angamisidzana neni?”
20Naizvozvo, inzwai zvakarongwa naJehovha pamusoro peEdhomu,
zvaakafunga pamusoro peavo vagere muTemani:
Achakwekweredza vaduku vemapoka;
achaparadza chose mafuro avo nokuda kwavo.
21Nyika ichadedera nokuda kwomubvumo wokuwa kwavo;
kuchema kwavo kuchanzwikwawo kusvikira kuGungwa Dzvuku.
22Tarirai gondo richabhururuka ndokudzika nesimba,
rakatambanudza mapapiro aro pamusoro peBhozira.
Pazuva iro mwoyo yemhare dzeEdhomu
ichafanana nomwoyo womukadzi orwadziwa.

Chirevo pamusoro peDhamasiko

23Pamusoro peDhamasiko:

“Hamati neAripadhi avhundutswa,
nokuti agamuchira mashoko akaipa.
Aora mwoyo,
atambudzika segungwa risina zororo.
24Dhamasiko harichina simba,
rakatendeuka kuti ritize,
kuvhunduka kukaribata;
kugomera nokurwadziwa zvakaribata,
kurwadziwa sekwomukadzi osununguka.
25Guta remukurumbira harina kusiyiwa seiko,
iro guta randinofarira?
26Zvirokwazvo majaya aro achawa mumigwagwa;
varwi varo vose vachati mwiro pazuva iroro,”
ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
27“Ndichatungidza moto kumasvingo eDhamasiko;
uchaparadza nhare dzose dzaBheni-Hadhadhi.”

Chirevo pamusoro peKedhari neHazori

28Pamusoro peKedhari noumambo hweHazori, hwakarwiswa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi:

Zvanzi naJehovha:

“Simukai, murwise Kedhari
uye muparadze vanhu vokuMabvazuva.
29Matende avo namapoka avo amakwai achatorwa;
matumba avo achatorwa achiendwa nawo,
nemidziyo yavo yose nengamera.
Vanhu vachadanidzira kwavari vachiti,
‘Zvinhu zviri kutyisa kumativi ose!’

30“Tizirai kure nokukurumidza!
Garai mumapako akadzika, imi vagari vomuHazari,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
“Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi aita zvakaipa pamusoro penyu;
aronga zano pamusoro penyu.

31“Simukai mundorwisa rudzi rwakazvigarira zvarwo,
rugere zvarwo rusina hanya,”
ndizvo zvinotaura Jehovha,
“irwo rudzi rusina masuo kana mazariro;
vanhu varwo vanogara voga zvavo.
32Ngamera dzavo dzichapambwa,
uye mombe dzavo dzakawanda dzichapambwa.
Ndichaparadzira kumhepo avo vari kunyika dzokure,
uye ndichauyisa njodzi pamusoro pavo kubva kumativi ose,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
33“Hazori richava ugaro hwamakava,
dongo nokusingaperi.
Hapana achagarako;
hakuna munhu achagara mariri.”

Chirevo pamusoro peEramu

34Iri ndiro shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia muprofita pamusoro peEramu, pakutanga kwokubata ushe kwaZedhekia mambo weJudha, richiti:

35Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose:

“Tarirai, ndichavhuna uta hweEramu,
iwo musimboti wesimba ravo.
36Ndichauyisa pamusoro paEramu mhepo ina,
kubva kumativi mana ematenga;
ndichavaparadzira kumhepo ina
uye hakungavi norudzi rumwe
kusingaendwi navavakidzani veEramu.
37Ndichapwanya Eramu pamberi pavavengi vavo,
pamberi paivo vanotsvaka kuvauraya;
ndichauyisa njodzi pamusoro pavo,
iko kutsamwa kwangu kunotyisa,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
“Ndichavatevera nomunondo
kusvikira ndavapedza.
38Ndichaisa chigaro changu choushe muEramu
uye ndichaparadza mambo wayo namachinda ayo,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.

39“Asi ndichadzosa nhaka yeEramu
mumazuva okupedzisira,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
Copyright information for SnaBDSC